Hanzi Huchi Hwenduri - Kubva Mukati Kati

About The Book

Kuverenga matetembo ano kwakafanana nekufa uchimuka. Uchifa uchimuka zvakare. Unoita seuri kuteerera izwi reshamwari yawaiziva kare kare mabwe achiri manyoro asi nhasiyazodzoka yave baba vababa vababa vako paudzamu. Ndadaro nekuti muna Huchi Hwenduri tiri kurairwa tisina kubvisa mari yechikoro neyebhondingi neyeruvako. Pano hapana ari kukumanikidza kumhanya kana kugara pasi. Kana kukwira mumuti. Asi ukatanga kuverenga zviri pano unotanga kuoneswa kuti wechida chiro juruja nemwero. Pamwe pacho woonawo wega kuti zvimwewo chingoti dongo dongo kudongorera kuti zvifambe. Nguva inogonaka kupera uchipedza nguva! Matetembo aya andifadza nekuti anoziva kuti ndiri munhuwo mukuru asingade kuudzwa zvekuita. Ndiri kungoyeuchidzwa zvekuita. Ndiri kuratidzwa zvinangwa zvandaive nazvo kuti ndirambe ndiripo. Mutauro uri pano wakapfava senyama yemhuru zvekuti iwe ingouya nemoto nemunyu chete. Zvino pano zvapaita huchi pasina nyuchi uchati chakutadzisa kunomborawo sevana vevamwe chii? Mudetembi wedu Ushehwedu Kufakurinani haasi munhu wekutamba naye!

~Memory Chirere University of Zimbabwe

Piracy-free
Piracy-free
Assured Quality
Assured Quality
Secure Transactions
Secure Transactions
Delivery Options
Please enter pincode to check delivery time.
*COD & Shipping Charges may apply on certain items.
Review final details at checkout.
downArrow

Details

LOOKING TO PLACE A BULK ORDER?CLICK HERE